Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 2:20-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Saka munhu akatumidza mazita kumombe dzose, nokushiri dzose dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi kuna Adhamu kwakanga kusina kuwanikwa mubatsiri akamukwanira.

21. Saka Jehovha Mwari akaita kuti munhu avate hope huru; uye paakanga achakavata, akatora rumwe rumbabvu rwomunhu akavhara nenyama nzvimbo yaakarubvisa.

22. Ipapo Jehovha Mwari akaita mukadzi kubva parumbabvu rwaakanga abvisa pamunhu, uye akamuuyisa kumurume.

23. Murume akati,“Zvino uyu ibvupa ramapfupa angu nenyama yenyama yangu;achanzi ‘mukadzi’, nokuti akatorwa kubva pamurume.”

24. Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.

25. Murume nomukadzi wake vakanga vasina kusimira vose, uye havana kutongonyara.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 2