Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 14:20-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Uye Mwari Wokumusoro-soro ngaakudzwe, akaisa vavengi vako muruoko rwako.”Ipapo Abhurama akamupa chegumi chezvinhu zvose.

21. Mambo weSodhomu akati kuna Abhurama, “Ndipe vanhu uzvichengetere hako pfuma.”

22. Asi Abhurama akati kuna mambo weSodhomu, “Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari Wokumusoro-soro, Musiki wedenga napasi, uye ndakaita mhiko

23. kuti handizogamuchiri chinhu chako, kunyange rushinda kana rukanda rweshangu, kuti urege kuzoti, ‘Ndakapfumisa Abhurama.’

24. Handina chinhu chandinogamuchira kunze kwezvakadyiwa navanhu vangu uye mugove wavanhu vakaenda neni, Aneri, Shikori naMamure. Ngavatore mugove wavo ivavo.”

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 14