Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Abhurama anonunura Roti

1. Panguva iyoyo Amuraferi mambo weShinari, Arioki mambo weErasa, Kedhoraomeri mambo weEramu naTidhari mambo weGoyimi

2. vakaenda kundorwa naBhera mambo weSodhomu, Bhirisha mambo weGomora, Shinabhi mambo weAdhima, Shemebheri mambo weZebhoyimi, uye namambo weBhera (ndiro Zoari).

3. Madzimambo ose akatevera aya akabatana pakurwa muMupata weSidhimi (ndiro Gungwa roMunyu).

4. Vakanga vari varanda vaKedhoraomeri kwamakore gumi namaviri, asi vakamumukira mugore regumi namatatu.

5. Mugore regumi namana, Kedhoraomeri namadzimambo ainzwana naye vakabuda vakandokunda vaRefaiti muAshiteroti Kanaimi, ivo vaZuzi muHamu, vaEmi muShavhe Kiriataimi

6. navaHori munyika yezvikomo yeSeiri, kusvikira kuEri Parani pedyo negwenga.

7. Ipapo vakadzokera vakaenda kuEni Mishipati (ndiro Kadheshi), uye vakakunda nyika yose yavaAmareki, pamwe chete navaAmori vakanga vachigara muHazazoni Tamari.

8. Ipapo mambo weSodhomu, mambo weGomora, mambo weAdhima, mambo weZebhoimi namambo weBhera (ndiro, Saori) vakabuda vakamira panzvimbo yavo yehondo muMupata weSidhimi

9. kuti varwe naKedhoraomeri mambo weEramu, Tidhari mambo weGoyimi, Amuraferi mambo weShinari naArioki mambo weErasa, madzimambo mana achirwa namadzimambo mashanu.

10. Zvino mupata weSidhimi wakanga uzere namakomba etara, uye madzimambo eSodhomu neGomora paakatiza, vamwe varume vakawira maari uye vakasara vakatizira kuzvikomo.

11. Madzimambo mana aya akatora pfuma yose yeSodhomu neGomora nezvokudya zvavo zvose; vakaenda.

12. Vakatorawo Roti mwanakomana womunun'una waAbhurama nepfuma yake, sezvo akanga achigara muSodhomu.

13. Mumwe akapunyuka akauya akasvikoudza Abhurama muHebheru. Zvino Abhurama akanga achigara pedyo nemiti mikuru yaMamure muAmori, munun'una waEshikori naAneri, avo vose vainzwana naAbhurama.

14. Abhurama akati anzwa kuti hama yake yakanga yatapwa, akadana varume vakanga vadzidziswa kurwa mazana matatu negumi navasere vakaberekerwa mumba make vakavatevera kusvikira paDhani.

15. Abhurama akapatsanura vanhu vake panguva dzousiku kuti vandovarwisa, uye vakavakunda, vakavatevera kusvikira paHobhabhi, kumusoro kweDhamasiko.

16. Akadzosa zvinhu zvose uye akadzosawo hama yake Roti nepfuma yake, pamwe chete navakadzi navamwe vanhu.

17. Shure kwokudzoka kwaAbhurama akunda Kedhoraomeri namadzimambo akanga abatana naye, mambo weSodhomu akabuda kuti azosangana naye muMupata weShavhe (ndiwo Mupata waMambo).

18. Ipapo Merekizedheki mambo weSaremu akamuvigira chingwa newaini. Akanga ari muprista waMwari Wokumusoro-soro,

19. uye akaropafadza Abhurama, achiti,“Abhurama ngaaropafadzwe naMwari Wokumusoro-soro, Musiki wedenga napasi.

20. Uye Mwari Wokumusoro-soro ngaakudzwe, akaisa vavengi vako muruoko rwako.”Ipapo Abhurama akamupa chegumi chezvinhu zvose.

21. Mambo weSodhomu akati kuna Abhurama, “Ndipe vanhu uzvichengetere hako pfuma.”

22. Asi Abhurama akati kuna mambo weSodhomu, “Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari Wokumusoro-soro, Musiki wedenga napasi, uye ndakaita mhiko

23. kuti handizogamuchiri chinhu chako, kunyange rushinda kana rukanda rweshangu, kuti urege kuzoti, ‘Ndakapfumisa Abhurama.’

24. Handina chinhu chandinogamuchira kunze kwezvakadyiwa navanhu vangu uye mugove wavanhu vakaenda neni, Aneri, Shikori naMamure. Ngavatore mugove wavo ivavo.”