Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezira 9:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mushure mokunge zvinhu izvi zvose zvaitwa, vatungamiri vakauya kwandiri vakati, “Vanhu veIsraeri, zvichisanganisira vaprista navaRevhi, havana kuzvitsaura kubva kumarudzi avakavakidzana nawo nezvinonyangadza zvavo, zvakafanana nezvevaKenani, vaHiti, vaPerizi, vaJebhusi, vaAmoni, vaMoabhu, vaIjipita uye navaAmori.

2. Vakatora vanasikana vavo vakavapa kuti vave vakadzi vavo uye nevevanakomana vavo, uye vakasanganisa rudzi rutsvene navanhu vakavapoteredza. Uye vatungamiri namakurukota ndivo vakatanga pakusatendeka uku.”

3. Zvino ndakati ndichinzwa izvi, ndakabvarura nguo yangu nejasi rangu, ndikadzura bvudzi kubva mumusoro mangu nendebvu dzangu uye ndikagara pasi ndashungurudzika.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezira 9