Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezira 7:19-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Ipai midziyo yose kuna Mwari weJerusarema iyo yamakapiwa kuti mushumire nayo mutemberi yaMwari wenyu.

20. Uye zvimwe zvose zvinodiwa patemberi yaMwari wako zvaunofanira kuendesa kutemberi, unofanira kuzvitora kubva papfuma yamambo.

21. Zvino ini, Mambo Atazekisesi, ndinorayira vabati vose vehomwe dzemari mhiri kwaYufuratesi kuti mupe nokushingairira zvose zvingakumbirwa naEzira muprista nomudzidzisi woMurayiro waMwari wokudenga,

22. kusvikira pamatarenda esirivha zanaa, nezviyero zanab zvezviyo namabhati zanac ewaini, namabhati zana amafuta amaorivhi, uye nomunyu wose unodiwa.

23. Chinhu chipi nechipi chakarayirwa naMwari wokudenga, ngachiitwe nokushingaira kutemberi yaMwari wokudenga. Ko, ushe hwamambo nohwavanakomana vake huchatsamwireiko?

24. Ndinokuzivisaiwo kuti hamufaniri kuripisa mitero nemiripo kana zvipo kuvaprista, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaranda vomutemberi kana vamwe vashandi vapaimba yaMwari.

25. Uye iwe, Ezira, maererano nouchenjeri hwaMwari wako, hwaunahwo, ugadze vaongorori vemhosva, navatongi kuti vatonge nokururamisira vanhu vose vari mhiri kwaYufuratesi, vose vanoziva mirayiro yaMwari wako. Uye unofanira kudzidzisa vose vasingaizivi.

26. Ani naani asingateereri murayiro waMwari wako uye nomurayiro wamambo, zvirokwazvo anofanira kurangwa norufu, kana kudzingwa, kana kutorerwa pfuma, kana kuiswa mutorongo.

27. Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari wamadzibaba edu, uyo akaisa izvi mumwoyo mamambo, kuti auyise kukudzwa kuimba yaJehovha muJerusarema nenzira yakadai,

28. uye akandiitira nyasha dzake dzakanaka pamberi pamambo namakurukota ake namachinda ake ose ane simba. Nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwakanga rwuri pamusoro pangu, ndikashinga uye ndikakoka varume vaikudzwa pakati pavaIsraeri kuti vaende neni.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezira 7