Nokudaro vakuru vavaJudha vakaenderera mberi nokuvaka uye vakabudirira vachiparidzirwa naHagai muprofita naZakaria mwanakomana waIdho. Vakavaka temberi vakaipedza sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMwari weIsraeri nechirevo chaSirasi, Dhariasi naAtazekisesi madzimambo ePezhia.