Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezira 6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Chirevo chaDhariasi

1. Ipapo Mambo Dhariasi akatema chirevo, uye vakatsvakisisa mumabhuku enhoroondo dzakare aiva mudura repfuma muBhabhironi.

2. Rugwaro rwakapetwa rwakawanikwa mumuzinda weEkibhatana mudunhu reMedhia, uye izvi ndizvo zvakanga zvakanyorwa parwuri: Chiziviso:

3. Mugore rokutanga raMambo Sirasi, mambo akapa chirevo pamusoro pezvetemberi yaMwari muJerusarema achiti: Temberi ngaivakwezve ive nzvimbo yokubayira zvibayiro, uye nheyo dzayo ngadziteyiwe. Inofanira kuva namakubhiti makumi matanhatua paurefu namakubhiti makumi matanhatu paupamhi,

4. ive nemitsara mitatu yamabwe makuru uye nomutsara mumwe chete wamatanda. Mari yokuvaka ngaitorwe kubva papfuma yamambo.

5. Uyezve midziyo yegoridhe neyesirivha yeimba yaMwari yakatorwa naNebhukadhinezari kubva mutemberi muJerusarema akauya nayo kuBhabhironi, inofanira kudzoserwa panzvimbo yayo mutemberi muJerusarema; inofanira kuiswa muimba yaMwari.

6. Zvino naizvozvo, Tatenai, mubati wenyika iri mhiri kwaYufuratesi, Sheshitari-Bhozenai, iwe namachinda avo omudunhu iro, musapindira pazvinhu izvi.

7. Musakanganisa basa retemberi iyi yaMwari. Regai mubati wavaJudha navakuru vavaJudha vavake imba iyi yaMwari panzvimbo yayo.

8. Pamusoro pezvo, ndinorayira zvino zvamunofanira kuitira vakuru ava vavaJudha, pakuvakwa kweimba iyi yaMwari: Mari yose inodiwa kuripira varume ava ichabva papfuma yamambo ichibva pamitero inoripwa kubva mhiri kwaYufuratesi, kuitira kuti basa rirege kumira.

9. Zvose zvinodiwa, dzingava hando duku, makondohwe, namakwayana makono, zvokuita nazvo zvipiriso zvinopiswa kuna Mwari wokudenga, uye gorosi, munyu, waini namafuta, zvinenge zvakumbirwa navaprista muJerusarema, zvinofanira kupiwa kwavari zuva rimwe nerimwe musingadariki,

10. kuti vagone kupa zvibayiro zvinofadza kuna Mwari wokudenga uye kuti vagone kunyengetererawo upenyu hwamambo nohwavanakomana vake.

11. Pamusoro pezvo, ndinotemawo chirevo, kuti ani naani anoshandura shoko iri, bango rinofanira kubviswa paimba yake, uye anofanira kuturikwa agorovererwa pariri. Uye nokuda kwemhaka iyi, imba yake inofanira kuitwa murwi wamarara.

12. Mwari, akagarisa Zita rake ipapo, ngaaparadze mambo upi noupi kana vanhu vangatambanudza maoko avo kuti vashandure chirevo ichi kana kuparadza temberi iyi muJerusarema. Ini Dhariasi ndini ndatema chirevo ichi. Ngachizadziswe nenzira yakanyanyisa kunaka.

Kupera kweTemberi noKukumikidzwa kwayo

13. Ipapo, nokuda kwechirevo chakanga chatumirwa naMambo Dhariasi, Tatenai mubati wemhiri kwaYufuratesi, naSheshitari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaita izvi nenzira yakanakisisa.

14. Nokudaro vakuru vavaJudha vakaenderera mberi nokuvaka uye vakabudirira vachiparidzirwa naHagai muprofita naZakaria mwanakomana waIdho. Vakavaka temberi vakaipedza sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMwari weIsraeri nechirevo chaSirasi, Dhariasi naAtazekisesi madzimambo ePezhia.

15. Temberi yakapera kuvakwa pazuva rechitatu romwedzi waAdhari, mugore rechitanhatu rokutonga kwamambo Dhariasi.

16. Ipapo vanhu veIsraeri, vaprista, vaRevhi uye navamwe vose vakanga vakatapwa, vakapemberera kukumikidzwa kweimba yaMwari nomufaro.

17. Pakukumikidzwa kweimba iyi yaMwari vakabayira hando zana, makondohwe mazana maviri, namakwayana makono mazana mana uye sechipiriso chechivi chavaIsraeri vose, vakabayira nhongo dzembudzi gumi nembiri, imwe ichimirira rudzi rumwe norumwe rwaIsraeri.

18. Vakagadza vaprista mumapoka avo uye navaRevhi muzvikwata zvawo kuti vaite basa raMwari paJerusarema, sezvazvakanyorwa muBhuku raMozisi.

Pasika

19. Pazuva regumi namana romwedzi wokutanga, vatapwa vakapemberera Pasika.

20. Vaprista navaRevhi vakanga vazvinatsa uye vose vakanga vanatswa. VaRevhi vakabayira vatapwa vose gwayana rePasika, vakabayirawo hama dzavo vaprista naivo vamene.

21. Nokudaro vaIsraeri vakanga vadzoka kubva kuutapwa vakaidya, pamwe chete navose vakanga vazvitsaura kubva pazviito zvisina kururama zvaiitwa navavakidzani vavo vahedheni, kuti vatsvake Jehovha, Mwari waIsraeri.

22. Kwamazuva manomwe vakapemberera nomufaro Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, nokuti Jehovha akanga avapa mufaro nokushandura mwoyo wamambo weAsiria, kuti avabatsire pakuitwa kwebasa reimba yaMwari, iye Mwari weIsraeri.