Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezira 2:66-69 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

66. Vakanga vane mabhiza mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu, mahesera mazana maviri namakumi mana namashanu,

67. ngamera mazana mana namakumi matatu namashanu uye nembongoro zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.

68. Pavakasvika paimba yaJehovha muJerusarema, vamwe vakuru vedzimba vakapa nokuzvidira kuti imba yaJehovha ivakwezve panzvimbo yayo.

69. Maererano napavaigona napo vakapa kuhomwe yemari yebasa iri, madhirakema zviuru makumi matanhatu nechimwea egoridhe, nemamina zviuru zvishanub esirivha uye nenguo dzavaprista zana.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezira 2