Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezira 2:61-70 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

61. Uye kubva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhaya, zvaHakozi uye nezvizvarwa zvaBhazirai (murume akanga awana mwanasikana waBhazirai muGireadhi uye akazotumidzwa zita iroro).

62. Ava vakatsvaka nhoroondo yamazita emhuri yavo, asi havana kuiwana saka nokudaro vakanzi vakasvibiswa vakabviswa pauprista.

63. Mubati akavaudza kuti varege kudya chipi zvacho chezvokudya zvitsvene kwazvo kusvikira kwazova nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi.

64. Ungano yose pamwe chete yaisvika zviuru makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,

65. tisingasanganisiri varanda vavo navarandakadzi vavo vakanga vari zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe: uye vakanga vanewo varume navakadzi mazana maviri vakanga vari vaimbi.

66. Vakanga vane mabhiza mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu, mahesera mazana maviri namakumi mana namashanu,

67. ngamera mazana mana namakumi matatu namashanu uye nembongoro zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.

68. Pavakasvika paimba yaJehovha muJerusarema, vamwe vakuru vedzimba vakapa nokuzvidira kuti imba yaJehovha ivakwezve panzvimbo yayo.

69. Maererano napavaigona napo vakapa kuhomwe yemari yebasa iri, madhirakema zviuru makumi matanhatu nechimwea egoridhe, nemamina zviuru zvishanub esirivha uye nenguo dzavaprista zana.

70. Vaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vemikova uye navashandi vomutemberi vakagara mumaguta avo, pamwe chete navamwe vavanhu, uye vamwe vaIsraeri vose vakagara mumaguta avowo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezira 2