Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezira 2:54-65 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

54. zvaNezia uye nezvaHatifa.

55. Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zvaSotai, zvaHasofereti zvaPerudha,

56. zvaJaara, zvaDharikoni, zvaGidheri,

57. zvaShefatia, zvaHatiri, zvaPokereti-Hazebhaimi uye nezvaAmi.

58. Varanda vaishanda mutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.

59. Ava ndivo vakauya vachibva kumaguta eTeri Mera, Teri Harisha, Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza dzimba dzamadzi-baba avo kwavakanga vakaberekerwa muIsraeri:

60. Zvizvarwa zvaDheraya, zvaTobhia nezvaNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.

61. Uye kubva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhaya, zvaHakozi uye nezvizvarwa zvaBhazirai (murume akanga awana mwanasikana waBhazirai muGireadhi uye akazotumidzwa zita iroro).

62. Ava vakatsvaka nhoroondo yamazita emhuri yavo, asi havana kuiwana saka nokudaro vakanzi vakasvibiswa vakabviswa pauprista.

63. Mubati akavaudza kuti varege kudya chipi zvacho chezvokudya zvitsvene kwazvo kusvikira kwazova nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi.

64. Ungano yose pamwe chete yaisvika zviuru makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,

65. tisingasanganisiri varanda vavo navarandakadzi vavo vakanga vari zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe: uye vakanga vanewo varume navakadzi mazana maviri vakanga vari vaimbi.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezira 2