Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezira 10:3-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Zvino ngatiitei sungano pamberi paMwari wedu kuti tidzinge vakadzi ava vose navana vavo, maererano nezvakarayirwa naishe wangu naavo vanotya mirayiro yaMwari wedu. Ngazviitwe maererano nomurayiro.

4. Simuka; nyaya iyi yava mumaoko ako. Tichamira newe, saka, tsunga mwoyo uzviite.”

5. Saka Ezira akasimuka akaisa pamhiko vaprista vaitungamira navaRevhi uye navaIsraeri vose kuti vaite zvakanga zvarehwa. Uye vakaita mhiko.

6. Ipapo Ezira akabva pamberi peimba yaMwari akaenda kukamuri raJehohanani mwanakomana waEriashibhi. Paakanga ari ikoko haana kudya zvokudya kana kunwa mvura nokuti akaramba achichema nokuda kwokusatendeka kwavatapwa.

7. Chiziviso chakadanidzirwa muJudha mose nomuJerusarema kuti vatapwa vose vaungane muJerusarema.

8. Ani naani aizokundikana kusvika mumazuva matatu aizotorerwa pfuma yake yose, maererano nokurayira kwamachinda navakuru, uye naiyewo aibva adzingwa kubva paungano yavatapwa.

9. Mukati mamazuva matatu, varume vose veJudha neBenjamini vakanga vaungana muJerusarema. Uye pazuva ramakumi maviri romwedzi wechinomwe, vanhu vose vakagara pachivara pamberi peimba yaMwari, vakasuwa zvikuru nokuda kwechiitiko ichi uye nokuda kwemvura yakanga ichinaya.

10. Ipapo Ezira muprista akasimuka akati kwavari, “Makatadza; makawana vakadzi vatorwa, mukawedzera mhosva yaIsraeri.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezira 10