Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 9:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Urayai vatana, majaya navarandakadzi, madzimai navana, asi musabata ani zvake ano munembo. Mutangire paimba tsvene yangu.” Saka vakatanga navakuru vakanga vari mberi kwetemberi.

7. Ipapo akati kwavari, “Svibisai temberi muzadze mavazhe navakaurayiwa. Endai!” Naizvozvo vakaenda vakatanga kuuraya muguta rose.

8. Pavakanga vachiuraya, uye ini ndasara ndoga, ndakawira pasi nechiso, ndichidanidzira, ndichiti, “Haiwa, Ishe Jehovha! Muchaparadza vakasara vose vaIsraeri pakudururwa kwehasha dzenyu pamusoro peJerusarema here?”

9. Iye akandipindura achiti, “Chivi cheimba yaIsraeri neJudha chakura kwazvo; nyika yazara nokuteura ropa uye guta razara nokusaruramisira. Ivo vanoti, ‘Jehovha akaramba nyika; Jehovha haaoni.’

10. Saka handingambovanzwiri tsitsi kana kuvaponesa, asi ndichauyisa pamisoro yavo zvavakaita.”

11. Ipapo murume uya akanga akapfeka mucheka werineni ane zvokunyoresa parutivi pake akadzoka neshoko, achiti, “Ndaita sezvamakarayira.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 9