Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 46:5-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Chipiriso chezviyo chinopiwa pamwe chete negondohwe chinofanira kuita efaa imwe chete, uye chipiriso chezviyo nemakwayana chinofanira kuva sezvaanoda, pamwe chete nehinib yamafuta paefa imwe neimwe.

6. Pazuva roKugara kwoMwedzi anofanira kupa hando duku, makwayana matanhatu negondohwe, zvose zvisina kuremara.

7. Iye anofanira kupa sechipiriso chezviyo efa imwe chete nehando, efa imwe chete negondohwe, uye namakwayana paanoda kupa napo, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe.

8. Panopinda muchinda, anofanira kupinda napabiravira rapanzira yesuo, uye anofanira kubuda nenzira imwe cheteyo.

9. “ ‘Vanhu venyika pavanouya pamberi paJehovha panguva yemitambo yakatarwa, ani naani anopinda napasuo rokumusoro kundonamata anofanira kubuda nokusuo rezasi; uye ani naani anopinda nesuo rezasi anofanira kubuda nesuo rokumusoro. Hakuna munhu anotenderwa kudzoka nesuo raambopinda naro, asi mumwe nomumwe anofanira kubuda neimwe nzira.

10. Muchinda anofanira kuva pakati pavo, pavanopinda anofanira kupinda navo, napavanobuda anofanira kubuda navo.

11. “ ‘Pamitambo napamitambo yakatarwa, chipiriso chezviyo chinofanira kuita efa imwe chete nehando, efa imwe chete negondohwe, uye namakwayana sezvaanoda, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe.

12. Kana muchinda achipa chipiriso chokungopa kuna Jehovha, chingava chipiriso chinopiswa kana chokuwadzana, suo rakatarisa kumabvazuva rinofanira kumuzarurirwa iye. Achapa chipiriso chake chinopiswa kana chipiriso chokuwadzana sezvaanoita nomusi weSabata. Ipapo anofanira kuzobuda kunze, uye shure kwokubuda kwake, suo richapfigwa.

13. “ ‘Zuva rimwe nerimwe unofanira kupa gwayana rine gore rimwe chete risina kuremara kuti rive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha; mangwanani oga oga unofanira kuuya naro.

14. Unofanira kuuyawo nechipiriso chezviyo chine mugove wechitanhatu weefa, nechetatu chehini yamafuta okunyorovesa upfu, mangwanani oga oga. Kupiwa kwechipiriso ichi kuna Jehovha, mutemo unogara nokusingaperi.

15. Saka gwayana nechipiriso chezviyo namafuta zvichafanira kuuyiwa nazvo mangwanani oga oga kuti zvive chipiriso chinopiswa nguva dzose.

16. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muchinda achipa chipo chinobva panhaka yake kuno mumwe wavanakomana vake, chichavawo chezvizvarwa zvake zvinotevera, chichava chavo chenhaka.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 46