Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 43:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo munhu uya akandiuyisa kusuo rakatarisa kumabvazuva,

2. uye ndakaona kubwinya kwaMwari waIsraeri kuchibva kumabvazuva. Inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji, uye pasi pakapenya nokubwinya kwake.

3. Chiratidzo chandakaona chakanga chakaita sechiratidzo chandakanga ndamboona paakauya kuzoparadza guta uye nechiratidzo chandakaona paRwizi rweKebhari, ndikawira pasi nechiso changu.

4. Kubwinya kwaJehovha kwakapinda mutemberi napasuo rakanangana nokumabvazuva.

5. Ipapo mweya wakandisimudza ukandiisa muruvazhe rwomukati, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi.

6. Murume uya achakamira pandiri, ndakanzwa mumwe achiti kwandiri ari mukati metemberi. Akati kwandiri,

7. “Mwanakomana womunhu, iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu choushe nenzvimbo yechitsiko chetsoka dzangu. Ndipo pandichagara ndiri pakati pavaIsraeri nokusingaperi. Imba yaIsraeri haichazosvibisizve zita rangu dzvene kunyange ivo kana madzimambo avo, noufeve hwavo uye zvifananidzo zvamadzimambo avo, zvisina upenyu panzvimbo dzavo dzakakwirira.

8. Pavanoisa chikumbaridzo mujinga mechikumbaridzo changu namagwatidziro pajinga negwatidziro rangu pachingova norusvingo pakati pangu naivo, vanosvibisa zita rangu dzvene nezvinonyangadza zvavanoita. Saka ndakavaparadza mukutsamwa kwangu.

9. Zvino ngavarashire ufeve hwavo kure nezvifananidzo zvavo zvisina upenyu zvamadzimambo avo, ipapo ndichagara pakati pavo nokusingaperi.

10. “Mwanakomana womunhu, rondedzera nezvetemberi kuvanhu veIsraeri, kuti vanyare pamusoro pezvivi zvavo. Ngavarangarire urongwa,

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 43