Ipapo akapinda munzvimbo tsvene yomukati ndokuyera mbiru dzomukova; imwe neimwe yakanga ina makubhiti maviri paupamhi. Mukova wacho wakanga una makubhiti matanhatu paupamhi uye madziro aionekera kurutivi rumwe norumwe rwawo aiva makubhiti manomwe paupamhi.