Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 40:25-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Suo rebiravira raro zvaiva namawindo maduku aipoteredza, samawindo amamwe. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye rine upamhi huna makubhiti maviri namashanu.

26. Zvikwiriso zvinomwe ndizvo zvaisvitsa ikoko, zvakatarisana nebiravira racho; rakanga rine miti yokushongedza yemichindwe pamadziro aionekera kurutivi rumwe norumwe.

27. Ruvazhe rwomukati nairwowo rwakanga rune suo rakatarisa zasi, uye akayera kubva pasuo iri kusvika kusuo rokunze kurutivi rwezasi; aiva makubhiti zana.

28. Ipapo akaenda neni kuruvazhe rwomukati achipinda napasuo rezasi, uye akayera suo rezasi; rwakanga rwakaenzana namamwe pakuyera.

29. Makamuri aro, namadziro anoonekera uye namabiravira aro, akanga akaenzana namamwe pakuyera. Suo nebiravira raro zvakanga zvina mawindo akazvipoteredza. Akanga akareba makubhiti makumi mashanu noupamhi huna makubhiti makumi maviri namashanu.

30. Mabiravira esuo akapoteredza ruvazhe rwomukati akanga ane upamhi huna makubhiti makumi maviri namashanu uye makubhiti mashanu pakudzika.

31. Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru dzaro, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.

32. Ipapo akandipinza muruvazhe rwomukati nechokumabvazuva, iye ndokuyera suo; rakanga rakangoenzana namamwe pakuyera.

33. Makamuri aro, namadziro aro aionekera nebiravira racho zvakanga zvine zvakaenzana nezvimwe pakuyera. Suo nebiravira raro zvakanga zvina mawindo kumativi ose. Zvakanga zvakareba makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi.

34. Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru kumativi ose, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.

35. Ipapo akaenda neni kusuo rokumusoro ndokuriyera. Rakanga rakangoenzana namamwe pakuyera,

36. sezvakanga zvakaitawo makamuri aro, namadziro aro aionekera uye biravira racho, uye rakanga rina mawindo kumativi ose. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi.

37. Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru kumativi ose, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.

38. Kamuri rino mukova rakanga riri pabiravira pasuo rimwe nerimwe rechomukati, kwaisukirwa zvibayiro zvinopiswa.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 40