Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 37:23-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Havachazozvisvibisizve nezvifananidzo zvavo kana nezvinonyangadza zvavo kana kudarika kuipa kwavo, nokuti ini ndichavaponesa pazvivi zvavo zvokudzokera shure, uye ndichavanatsa. Vachava vanhu vangu uye ini ndichava Mwari wavo.

24. “ ‘Muranda wangu Dhavhidhi achava mambo pamusoro pavo, uye vose vachava nomufudzi mumwe chete. Vachatevera mirayiro yangu nokuchenjerera kuchengeta mitemo yangu.

25. Vachagara munyika yandakapa kumuranda wangu Jakobho, iyo nyika yaigara madzibaba avo. Vachagaramo nokusingaperi ivo navana vavo navana vavana vavo uye Dhavhidhi muranda wangu achava muchinda wavo nokusingaperi.

26. Ndichaita sungano yorugare navo; ichava sungano isingaperi. Ndichavasimbisa nokuvawanza uye ndichaisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo nokusingaperi.

27. Ugaro hwangu huchava pakati pavo, ini ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.

28. Ipapo ndudzi dzichaziva kuti ini Jehovha ndinoita Israeri kuti ave mutsvene, kana nzvimbo yangu tsvene ikagara pakati pavo nokusingaperi.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 37