Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 34:15-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Ini pachangu ndichafudza makwai angu nokuavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

16. Ndichatsvaka akarasika nokudzosa akadzingwa. Ndichasunga akakuvara nokusimbisa asina simba, asi akakora naane simba ndichaaparadza.

17. “ ‘Asi kana murimi, boka rangu, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatonga pakati pegwai nerimwe gwai, uye pakati pamakondohwe nembudzi.

18. Ko, hazvina kuringana kwamuri here kuti mudye pamafuro akanaka? Zvakafanira here kuti mutsike netsoka dzenyu mafuro enyu akasara? Ko, hazvina kuringana here kuti munwe mvura yakachena? Ko, zvakafanira here kuti musvibise mvura yakasara namakumbo enyu?

19. Ko, makwai angu angafanirwa nokudya kana kunwa zvamakabvongodza netsoka dzenyu here?

20. “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha kwavari: Tarira, ini ndimene ndichatonga pakati paakakora namakwai akaonda.

21. Nokuda kwokuti munosunda norutivi nepfudzi, muchitunga makwai asina simba nenyanga dzenyu kusvikira maadzingira kure,

22. ini ndicharwira makwai angu, uye haangazopambwizve. Ndichatonga pakati pehwai neimwe hwai.

23. Ndichaisa pamusoro pawo mufudzi mumwe chete, muranda wangu Dhavhidhi uye achaafudza; iye achaafudza agova mufudzi wawo.

24. Ini Jehovha ndichava Mwari wavo, uye muranda wangu Dhavhidhi achava muchinda pakati pawo. Ini Jehovha ndazvitaura.

25. “ ‘Ndichaita sungano yorugare navo uye ndichadzinga zvikara panyika kuti vagogara mugwenga vagovata zvakanaka musango.

26. Ndichaaropafadza nenzvimbo dzakapoteredza chikomo changu. Ndichanayisa mvura nenguva yayo; pachava nemibvumbi yamaropafadzo.

27. Miti yesango ichabereka michero yayo uye ivhu richabereka zvibereko zvaro; vanhu vachagara zvakanaka panyika yavo. Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavhuna mazariro amajoko avo ndigovanunura kubva mumaoko aavo vanovaita nhapwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 34