Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 32:25-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Yakawaridzirwa mubhedha pakati pavakaurayiwa, nevanhu vayo vazhinji vakakomberedza rinda rayo. Vose havana kudzingiswa, vaiurayiwa nomunondo. Nemhaka yokuti kutyisidzira kwavo kwakanga kwapararira munyika yavapenyu, vanotakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba, vakaradzikwa pakati pavakaurayiwa.

26. “Mesheki neTubhari dziripo, navanhu vadzo vazhinji vakakomba marinda adzo. Vose havana kudzingiswa, vaurayiwa nomunondo nokuti vakatyisidzira vanhu munyika yavapenyu.

27. Ko, havana kuvata navamwe varwi vasina kudzingiswa here, ivo vakafa, vakaburukira muguva vane zvombo zvavo zvehondo, uye minondo yavo yakaiswa pasi pemisoro yavo? Kurangwa nokuda kwezvivi zvavo kuri pamusoro pamapfupa avo, kunyange kutyisidzira kwavanhu ava kwakanga kwapararira munyika yavapenyu.

28. “Newewo, iwe Faro, uchavhunwa uye uchavata pakati pavasina kudzingiswa.

29. “Edhomu iriko namadzimambo ayo namachinda ayo ose; kunyange ane simba, vakaradzikwa navaya vakaurayiwa nomunondo. Vakavata navasina kudzingiswa, navaya vanoburukira kugomba.

30. “Machinda ose okumusoro navaSidhoni variko; vakadzika navakaurayiwa mukunyadziswa kunyange simba ravo raityisa. Vakavata vasina kudzingiswa pamwe chete navakaurayiwa nomunondo vakatakura kunyadziswa kwavo pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.

31. “Faro, iye nehondo yake, achavaona agonyaradzwa nokuda kwavanhu vake vazhinji vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

32. Kunyange ndakamurega achityisidzira vamwe munyika yavapenyu, Faro navanhu vake vazhinji vacharadzikwa pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 32