Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 32:10-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Ndichaita kuti vanhu vazhinji vashamisike pamusoro pako, uye madzimambo avo achadedera nokutya nokuda kwako, pandichavheyesa munondo wangu pamberi pavo. Pazuva rokuwa kwako mumwe nomumwe wavo achadedera nguva dzose, nokuda kwoupenyu hwake.

11. “ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Munondo wamambo weBhabhironi uchauya kuzokurwisa.

12. Ndichaita kuti vanhu vako vazhinji vave neminondo yavane simba, vanhu vakaipisisa pandudzi dzose. Vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti, uye vanhu vayo vazhinji vachakundwa.

13. Ndichaparadza mombe dzayo dzose dziri panhivi dzemvura zhinji, hakuchazovi norutsoka rwomunhu ruchaibvongodza, kana namahwanda emombe achaibvongodza.

14. Ipapo ndichaita kuti mvura yavo igadzikane, uye ndichaita kuti hova dzayo dziyerere samafuta, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

15. Pandichaita Ijipiti kuti ive dongo uye pandichabvisa zvose zviri mairi, pandichauraya vose vanogaramo, ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’

16. “Aya ndiwo mariro avachaiimbira. Vanasikana vendudzi vachaimba; nokuda kweIjipiti navanhu vayo vose vazhinji vachaimba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

17. Mugore regumi namaviri, pazuva regumi namashanu romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

18. “Mwanakomana womunhu, ungudza nokuda kwavanhu vazhinji veIjipiti uye uvawisire pasi zvose iyo nyika navanasikana vendudzi dzine simba, pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.

19. Uti kwavari, ‘Ko, imi munonyanya kudikanwa kupfuura vamwe here? Burukai mundoradzikwa pakati pavasina kudzingiswa.’

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 32