Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 30:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: “ ‘Ungudza uti, “Haiwa, zuva iro!”

3. Nokuti zuva rava pedyo, zuva raJehovha rava pedyo, zuva ramakore, nguva yokuparadzwa kwendudzi.

4. Munondo uchauya pamusoro peIjipiti, uye kurwadziwa kuchauya pamusoro paEtiopia. Vakaurayiwa pavachawa muIjipiti, pfuma yake ichatakurwa ichienda kure uye nheyo dzayo dzichakoromorwa.

5. Etiopia nePuti, Ridhia neArabhia yose, Ribhiya navanhu venyika yesungano vachaurayiwa nomunondo pamwe chete neIjipiti.

6. “ ‘Zvanzi naJehovha, “ ‘Vanotsigira Ijipiti vachawa uye kuzvikudza kwesimba rayo kuchapera. Kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, vachaurayiwa nomunondo pakati pake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

7. “ ‘Vachaparadzwa pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta avo achava pakati pamaguta akaitwa matongo.

8. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichatungidza moto kuIjipiti uye vabatsiri vayo vose vachaparadzwa.

9. “ ‘Pazuva iro, nhume dzichabva kwandiri dziri muzvikepe kuti dzindotyisidzira Etiopia kuti abve pakuvarairwa kwake. Ucharwadziwa pazuva rokuparadzwa kweIjipiti, nokuti zvirokwazvo rinouya.

10. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Ndichagumisa vanhu vose veIjipiti noruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.

11. Iye nehondo yake, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi, achauyisa kuti azoparadza nyika. Vachavhomora minondo yavo kuti varwise Ijipiti, uye vachazadza nyika navakaurayiwa.

12. Ndichaomesa hova dzeNairi, uye ndichatengesa nyika kuvanhu vakaipa; namaoko avatorwa ndichaparadza nyika nezvose zviri mairi. Ini Jehovha ndazvitaura.

13. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Ndichaparadza zvifananidzo nokugumisa mifananidzo yeMemufisi, muIjipiti hamuchazovizve nomuchinda, uye ndichaparadzira kutya munyika yose.

14. Ndichaita kuti Patirosi ive dongo, ndichapisa Zoani, uye ndicharanga Tebhesi.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 30