Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 29:13-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. “Asi zvanzi naIshe Jehovha: Mushure mamakore makumi mana ndichaunganidza vaIjipita kubva kundudzi dzandakanga ndavadzingira.

14. Ndichavadzosa kubva kuutapwa ndigovadzosera kunyika yePatirosi, nyika yamadzitateguru avo. Vachava ushe hwakazvidzwa ikoko.

15. Huchava ushe hwakazvidzika chose uye hahuchazozvisimudzirizve pamusoro pedzimwe ndudzi.

16. Ijipiti haichazombovizve chivimbo chavanhu veIsraeri asi ichava chirangaridzo chechivi chavo chokucheukira kwairi kuti vabatsirwe. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’ ”

17. Mugore ramakumi maviri namanomwe, nomwedzi wokutanga pazuva rokutanga, shoko rakasvika kwandiri richiti,

18. “Mwanakomana womunhu, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; musoro mumwe nomumwe wakasvuurwa uye pfudzi rimwe nerimwe rakasvotorwa. Kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kuwana mubayiro pamusoro pebasa ravakaita achirwa naro.

19. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kuzopa nyika yeIjipiti kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye iye achatapa pfuma yayo. Achapamba nokutora nyika somuripo wehondo yake.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 29