Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 28:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Mwanakomana womunhu, uti kumubati weTire, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Mukuzvikudza kwomwoyo wako iwe wakati, “Ini ndiri mwari; ndinogara pachigaro choushe chamwari, pakati pomwoyo wamakungwa.” Asi uri munhu zvako uye hauzi mwari, kunyange uchifunga kuti wakachenjera samwari.

3. Ko, iwe wakachenjera kukunda Dhanieri here? Ko, hauna chakavanzika chausingazivi here?

4. Wakazviwanira pfuma nouchenjeri hwako nokunzwisisa kwako, uye wakazviunganidzira goridhe nesirivha muzvivigiro zvepfuma yako.

5. Wakawanza pfuma yako nouchenjeri hwako hwokutengesa, uye nokuda kwepfuma yako mwoyo wako wakazvikudza.

6. “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Nokuda kwokuti unofunga kuti wakangwara, sokungwara kwamwari,

7. ndava kuzouyisa vatorwa kuti vazokurwisa, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi dzose, vachavhomora minondo yavo kuti varwise kunaka nokuchenjera kwako, vagosvibisa kupenya kwokubwinya kwako.

8. Vachakuburutsira kugomba, uye uchafa rufu runorwadza pakati pomwoyo wamakungwa.

9. Ipapo uchati here, “Ndiri mwari,” pamberi pavanokuuraya? Uchava munhu chete, kwete mwari, mumaoko aivo vanokuuraya.

10. Uchafa rufu rwomunhu asina kudzingiswa pamaoko avatorwa. Ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

11. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

12. “Mwanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro ugoti kwaari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Iwe wakanga uri muenzaniso wokukwana, uzere nouchenjeri wakakwana parunako.

13. Wakanga uri muEdheni, bindu raMwari; wakashongedzwa namatombo ose anokosha anoti: rubhi, tapazi neemeraridhi, krisorite, onikisi, jasipa, safuri, turikoise nebheriri. Urongwa nezvitsigiro zvako zvakanga zvakagadzirwa negoridhe; zvakagadzirwa pazuva rokusikwa kwako.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 28