Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 27:25-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. “ ‘Zvikepe zveTashishi zvakashanda pakutakura zvigadzirwa zvako. Iwe wakazadzwa nezvitakurwa zvinorema, ipo pamwoyo wegungwa.

26. Vakwasvi vako vanokutora voenda newe kumakungwa makuru. Asi mhepo yokumabvazuva ichakuputsa-putsa mumwoyo megungwa chaimo.

27. Pfuma yako, nenhumbi dzokutengesa nezvakagadzirwa, varairi navafambisi vako vezvikepe navagadziri vazvo, vashambadziri vako nevarwi vako vose, uye vose varimo vachanyura pakati pomwoyo wegungwa, pazuva rokuparadzwa kwechikepe chako.

28. Nyika dzokumahombekombe dzichadengenyeka nokudanidzira kwavafambisi vako vezvikepe.

29. Vose vanobata matanda okukwasva vachasiya zvikepe zvavo; vachairi nevafambisi vako vezvikepe vachandomira kumahombekombe.

30. Vachadanidzira namanzwi avo vagochema zvikuru pamusoro pako; vachakushira guruva pamisoro yavo vagoumburuka mumadota.

31. Vachaveura misoro yavo nokuda kwako, uye vachapfeka nguo dzamasaga. Vachachema pamusoro pako nokurwadza kwomwoyo, uye nokuchema kukuru.

32. Pavanoungudza nokuchema pamusoro pako, vachaita mariro pamusoro pako vachiti, “Ndianiko akashaya rokureva seTire, rakakomberedzwa negungwa?”

33. Pakabuda vashambadziri vako vachienda kugungwa, wakagutisa ndudzi zhinji, nepfuma yako huru uye nenhumbi dzako, wakapfumisa madzimambo enyika.

34. Zvino wakaputsanyiwa negungwa mumvura zhinji yakadzika; nhumbi dzako navanhu vako vose zvakanyura pamwe chete newe.

35. Vose vanogara muzviwi vanoshamiswa pamusoro pako; madzimambo avo anodedera nokutya, uye zviso zvavo zvakanganiswa nokutya.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 27