Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 22:8-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene uye wakasvibisa maSabata angu.

9. Mukati mako mune vanhu vane makuhwa, vanofarira pakuteura ropa; mukati mako muna vanhu vanodyira kushongwe dzokumakomo uye vanoita mabasa eunzenza.

10. Mukati mako muna vanhu vasingakudzi nhoo dzamadzibaba avo, mukati mako muna vanhu vanochinya vakadzi panguva yavanenge vari kumwedzi, pavanenge vasina kuchena.

11. Mukati mako mune mumwe munhu anoita zvinonyangadza nomukadzi womuvakidzani wako, mumwe anochinya mukadzi womwana wake zvinonyadzisa, uye mumwe anochinya hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake chaivo.

12. Mukati mako muna varume vanogamuchira fufuro kuti vateure ropa; unotora mhindu inopfuura mwero, uchizviwanira pfuma yokubiridzira kubva kuvavakidzani vako. Uye wakandikanganwa ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

13. “ ‘Zvirokwazvo ndicharovanisa maoko angu pamwe chete pamusoro pepfuma isakarurama yawakaita uye neropa rawakateura pakati pako.

14. Ko, kushinga kwako kucharamba kuripo here kana kusimba kwamaoko ako pazuva randichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndichazvitaura.

15. Ndichakuparadzira pakati penyika; uye ndichagumisa kusachena kwako.

16. Muchaziva kuti ndini Jehovha, pamuchasvibiswa pamberi pendudzi.’ ”

17. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

18. “Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri yaita samarara kwandiri; vose indarira, netini, nesimbi nedare romutobvu rakasarira muvira romoto. Vakaita samarara esirivha.

19. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nemhaka yokuti mose mava marara, ndichakuunganidzai muJerusarema.

20. Somunhu anounganidza muvira romoto kuti zvinyungudiswe nokupiswa nezhenje, saizvozvo ndichakuunganidzai pakutsamwa kwangu nehasha dzangu ndigokuyisai mukati meguta ndigokunyautsai.

21. Ndichakuunganidzai nokukufuridzai nokupisa kwehasha dzangu uye muchanyautswa mukati maro.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 22