Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 22:21-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Ndichakuunganidzai nokukufuridzai nokupisa kwehasha dzangu uye muchanyautswa mukati maro.

22. Sokunyautswa kwesirivha iri muvira romoto, saizvozvo muchanyautswa mukati maro, uye muchaziva kuti ini Jehovha ndadurura hasha dzangu pamusoro penyu.’ ”

23. Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti,

24. “Mwanakomana womunhu, uti kunyika, ‘Iwe uri nyika isina kuwana mvura kana guti pazuva rehasha dzangu.’

25. Pane rangano yamachinda vari pakati payo vanoomba seshumba iri kubvamburanya chayabata; vanodya vanhu, vanotora pfuma nezvinhu zvinokosha uye vanoita kuti chirikadzi dzivande mukati mayo.

26. Vaprista vayo vanogutsa mirayiro yangu uye vanosvibisa zvinhu zvangu zvitsvene; havaoni mutsauko pakati pechinhu chitsvene nechinhuwo zvacho; vanodzidzisa kuti hapana mutsauko pakati pezvisakachena nezvakachena; uye vanotsinzina meso avo kuti varege kuchengeta maSabata angu, saka ini ndakasvibiswa pakati pavo.

27. Machinda ari mukati maro akaita samapumhi ari kubvamburanya chaabata; vanoteura ropa nokuuraya vanhu kuti vawane pfuma yokusarurama.

28. Vaprofita vayo vanofukidza mabasa avo aya nezviratidzo zvenhema nokuvuka kwenhema. Vanoti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ izvo Jehovha haana kutaura.

29. Vanhu vomunyika vanotora mari nokumanikidzira uye vanoita ugororo; vanomanikidza varombo navanoshayiwa uye vanoitira vatorwa zvakaipa, vachiramba kuvaruramisira.

30. “Ndakatsvaka munhu pakati pavo angavaka rusvingo nokumira pamberi pangu, pakakoromoka achimirira nyika kuti ndirege kuparadza, asi ndakashayiwa kana mumwe.

31. Saka ndichadurura kutsamwa kwangu pamisoro pavo ndigovaparadza nokutsamwa kwangu, ndichiburutsira pamisoro yavo zvavakaita zvose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 22