Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 22:18-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. “Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri yaita samarara kwandiri; vose indarira, netini, nesimbi nedare romutobvu rakasarira muvira romoto. Vakaita samarara esirivha.

19. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nemhaka yokuti mose mava marara, ndichakuunganidzai muJerusarema.

20. Somunhu anounganidza muvira romoto kuti zvinyungudiswe nokupiswa nezhenje, saizvozvo ndichakuunganidzai pakutsamwa kwangu nehasha dzangu ndigokuyisai mukati meguta ndigokunyautsai.

21. Ndichakuunganidzai nokukufuridzai nokupisa kwehasha dzangu uye muchanyautswa mukati maro.

22. Sokunyautswa kwesirivha iri muvira romoto, saizvozvo muchanyautswa mukati maro, uye muchaziva kuti ini Jehovha ndadurura hasha dzangu pamusoro penyu.’ ”

23. Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti,

24. “Mwanakomana womunhu, uti kunyika, ‘Iwe uri nyika isina kuwana mvura kana guti pazuva rehasha dzangu.’

25. Pane rangano yamachinda vari pakati payo vanoomba seshumba iri kubvamburanya chayabata; vanodya vanhu, vanotora pfuma nezvinhu zvinokosha uye vanoita kuti chirikadzi dzivande mukati mayo.

26. Vaprista vayo vanogutsa mirayiro yangu uye vanosvibisa zvinhu zvangu zvitsvene; havaoni mutsauko pakati pechinhu chitsvene nechinhuwo zvacho; vanodzidzisa kuti hapana mutsauko pakati pezvisakachena nezvakachena; uye vanotsinzina meso avo kuti varege kuchengeta maSabata angu, saka ini ndakasvibiswa pakati pavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 22