Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 21:17-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Neniwo ndicharovanya maoko angu pamwe chete, uye hasha dzangu dzichaserera. Ini Jehovha ndazvitaura.”

18. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

19. “Mwanakomana womunhu, tara migwagwa miviri yomunondo wamambo weBhabhironi yaachafamba nayo, yose iri miviri ichitangira munyika imwe chete. Uite chikwangwari panoparadzana mugwagwa uchipinda muguta.

20. Utare mugwagwa mumwe chete womunondo unouya kuzorwa neRabha ravaAmoni uye mumwe uchizorwa neJudha neJerusarema rakakomberedzwa.

21. Nokuti mambo weBhabhironi achamira pamharadzano dzemugwagwa, pamharadzano dzemigwagwa miviri, kuti atsvake shuramanenji: Achakanda mijenya nemiseve, achabvunza zvifananidzo zvake, achaongorora chiropa.

22. Muruoko rwake rworudyi muchava nomujenya weJerusarema, umo maachamisa zvokugumura, kuti varayire nezvokuuraya, nokudanidzira zvehondo, nokuisa zvokugumura pamasuo, nokuvaka mirwi yokurwa nokuvaka nhare.

23. Zvichange zvakaita seshuramanenji yenhema kuna vaya vakange vapikira kumuteerera, asi iye achavarangaridza nezvemhosva yavo agovatora kuti avaite nhapwa.

24. “Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Nemhaka yokuti imi vanhu makandiyeuchidza mhosva yenyu nokundimukira pachena, muchiratidza pachena zvivi zvenyu pazvinhu zvose zvamunoita, nokuda kwokuti makaita izvi, muchaitwa nhapwa.

25. “ ‘Haiwa, iwe muchinda waIsraeri akaipa uye anozvidza, ane zuva rasvika, ane nguva yokurangwa kwake yasvika pakupedzisira,

26. Zvanzi naIshe Jehovha: Bvisai ngowani youprista, bvisai korona. Hazvichazorambi zviri sezvazvaiva: vanozvidzwa vachasimudzirwa uye vanokudzwa vachaninipiswa.

27. Dongo! Dongo! Ndichariita dongo! Harichazovandudzwizve kusvikira mwene waro auya; ndiye wandichapa.’

28. “Uye iwe, mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavaAmoni nokutuka kwavo: “ ‘Munondo, munondo, wavhomorwa kuti uuraye, wapukutwa kuti uparadze uye kuti upenye semheni!

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 21