Nokuti mambo weBhabhironi achamira pamharadzano dzemugwagwa, pamharadzano dzemigwagwa miviri, kuti atsvake shuramanenji: Achakanda mijenya nemiseve, achabvunza zvifananidzo zvake, achaongorora chiropa.