Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 21:15-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Kuti mwoyo inyauke uye vanowa vawande, munondo ndakauyisa pamasuo avo ose kuti uuraye. Haiwa wakagadzirirwa kuti upenye semheni, wakabatwa kuti uuraye.

16. Haiwa, iwe munondo, cheka kurudyi, ugochekawo kuruboshwe, kwose kunorerekera chisvo chako.

17. Neniwo ndicharovanya maoko angu pamwe chete, uye hasha dzangu dzichaserera. Ini Jehovha ndazvitaura.”

18. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

19. “Mwanakomana womunhu, tara migwagwa miviri yomunondo wamambo weBhabhironi yaachafamba nayo, yose iri miviri ichitangira munyika imwe chete. Uite chikwangwari panoparadzana mugwagwa uchipinda muguta.

20. Utare mugwagwa mumwe chete womunondo unouya kuzorwa neRabha ravaAmoni uye mumwe uchizorwa neJudha neJerusarema rakakomberedzwa.

21. Nokuti mambo weBhabhironi achamira pamharadzano dzemugwagwa, pamharadzano dzemigwagwa miviri, kuti atsvake shuramanenji: Achakanda mijenya nemiseve, achabvunza zvifananidzo zvake, achaongorora chiropa.

22. Muruoko rwake rworudyi muchava nomujenya weJerusarema, umo maachamisa zvokugumura, kuti varayire nezvokuuraya, nokudanidzira zvehondo, nokuisa zvokugumura pamasuo, nokuvaka mirwi yokurwa nokuvaka nhare.

23. Zvichange zvakaita seshuramanenji yenhema kuna vaya vakange vapikira kumuteerera, asi iye achavarangaridza nezvemhosva yavo agovatora kuti avaite nhapwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 21