Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 20:21-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. “ ‘Asi vana vakandimukira: havana kutevera mitemo yangu, vakanga vasina kuchenjerera kuchengeta mirayiro yangu, kunyange zvazvo munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakasvibisa maSabata angu. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo uye ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo mugwenga.

22. Asi ndakadzora ruoko rwangu, uye nokuda kwezita rangu ndakaita zvairichengetedza kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi dzandakavabudisa pamberi padzo.

23. Uyezve, ndakasimudza ruoko, ndikapika mugwenga kuti ndichavaparadzira pakati pendudzi nokuvadzingira kunyika dzose.

24. Nokuti vakanga vasina kuteerera mirayiro yangu asi vakanga varamba mitemo yangu uye vakasvibisa maSabata angu, uye meso avo akachiva zvifananidzo zvamadzibaba avo.

25. Ndakavapawo mitemo yakanga isina kunaka uye nemirayiro yavakanga vasingagoni kurarama nayo,

26. ndakaita kuti vasvibiswe nezvipo zvavo, zvibayiro zvamatangwe ose, kuti ndivazadze nokutya kukuru kuti vagoziva kuti ndini Jehovha.’

27. “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, taura kuvanhu veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muna izvozviwo madzibaba enyu akandimhura nokundisiya:

28. Pandakavauyisa munyika yandakanga ndapika kuti ndichavapa uye vakaona chikomo chipi zvacho chakakwirira kana muti upi zvawo una mashizha, vakabayira zvibayiro zvavo ipapo, vakapa zvipiriso zvakanditsamwisa, vachipa zvinonhuwira zvavo uye vakadurura zvipiriso zvavo zvinonwiwa ipapo.

29. Ipapo ndakati kwavari: Ko, nzvimbo iyi yakakwirira yamunoenda kwairi ndeyei?’ ” (Zita rayo inonzi Bhama kusvikira zuva ranhasi.)

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 20