Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 20:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Naizvozvo ndakavabudisa muIjipiti ndikaenda navo kugwenga.

11. Ndakavapa mitemo yangu ndikavazivisa mirayiro yangu, nokuti munhu achaiteerera achararama nayo.

12. Uyezve ndakavapa maSabata angu sechiratidzo pakati pedu, kuti vagoziva kuti ini Jehovha ndini ndinovaita vatsvene.

13. “ ‘Asi vanhu veIsraeri vakandimukira mugwenga. Havana kutevera mitemo yangu asi vakaramba mirayiro yangu, kunyange munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakazvidza chose maSabata angu. Saka ndakati kwavari ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigovaparadza mugwenga.

14. Asi nokuda kwezita rangu ndakaita zvaichengetedza zita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pendudzi idzo dzandakavabudisa kubva madziri pamberi padzo.

15. Uyezve ndakavapikira mugwenga noruoko rwakasimudzwa ndichiti handizovaisi munyika yandakavapa, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose,

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 20