Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 18:11-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. (kunyange baba vake vasina kumboita chimwe chazvo): “Anodya pashongwe dzamakomo Anochinya mukadzi womuvakidzani wake.

12. Anomanikidza varombo navanoshayiwa. Anoita zvougororo. Haadzoreri zvaakakwereta. Anotarisira kuzvifananidzo. Anoita zvinonyangadza.

13. Anokweretesa achireva chimbadzo uye anotora mhindu yakakura. Munhu akadaro achararama here? Kwete, haangararami! Nokuda kwokuti akaita zvinhu izvi zvinonyangadza, achafa, zvirokwazvo, uye ropa rake richava pamusoro pake.

14. “Asi ngatimboti, mwanakomana uyu ano mwanakomana anoona zvivi zvose zvinoitwa nababa vake, uye kunyange achivaona, haaiti zvinhu zvakadai:

15. “Haadyi pashongwe dzamakomo kana kutarisira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri. Haachinyi mukadzi womuvakidzani wake.

16. Haamanikidzi munhu upi zvake kana kureva rubatso pachikwereti. Haaiti ugororo, asi anopa zvokudya zvake kuna vaya vane nzara, uye anopfekedza vanoshaya zvipfeko.

17. Anodzivisa ruoko rwake kutadza uye haarevi chimbadzo kana mhindu yakakura. Anochengeta mirayiro yangu nokutevera mitemo yangu. Haangafi nokuda kwechivi chababa vake; zvirokwazvo achararama.

18. Asi baba vake vachafa nokuda kwechivi chavo, nokuti vaiita zvinhu nokumanikidza, vakapamba munun'una wavo uye vakaita zvakaipa pakati pavanhu vavo.

19. “Kunyange zvakadaro munobvunza muchiti, ‘Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake?’ Sezvo mwanakomana akaita nokururamisira uye nokururama uye kuti akanga akangwaririra kuchengeta mitemo yangu, iye achararama zvirokwazvo.

20. Mweya unotadza ndiwo uchafa. Mwanakomana haangagovani nababa vake pamhosva yavo, uye baba havangagovani mhosva yavo nomwanakomana. Kururama kwowakarurama kuchava pamusoro pake, uye kuipa kwowakaipa kuchava pamusoro powakaipa.

21. “Asi kana akaipa akatendeuka kubva pazvivi zvaakaita uye akachengeta mitemo yangu uye akaita nokururamisira uye nokururama, zvirokwazvo achararama; haangafi zvirokwazvo.

22. Kudarika kwake kwose kwaakaita hakungarangarirwi. Nokuda kwezvinhu zvakarurama zvaakaita, iye achararama.

23. Ko, ndingafarira rufu rwowakaipa here? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Asi handifari here pavanotendeuka kubva panzira dzavo kuti vararame?

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 18