Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 17:13-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ipapo akatora mumwe weimba youmambo ndokuita chibvumirano naye, akamuisa pasi pemhiko. Akatoravo varume vaitungamirira nyika iyo,

14. kuitira kuti umambo huderere, husingazogoni kumukazve, huchingovapo chete nokuchengeta chibvumirano chake.

15. Asi mambo akamupandukira nokutuma nhume dzake kuIjipiti kundotorako mabhiza nehondo huru. Achabudirira here? Ko, iye anoita zvinhu zvakadaro angapukunyuka here? Achaputsa chibvumirano akazopukunyuka here?

16. “ ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, iye achafira muBhabhironi, munyika yamambo akamugadza pachigaro choushe, ane mhiko yaakazvidza uye chibvumirano chaakaputsa.

17. Faro nehondo yake ine simba neboka rake guru hazvizombobatsiri kwaari muhondo, kana vakavaka mirwi kana kuvaka nhare dzokuparadza vanhu vazhinji.

18. Akashora mhiko nokuputsa kwaakaita sungano. Nokuti akanga aisa ruoko rwake pakupika uku ndokuzoita zvinhu zvose izvi, haangapukunyuki.

19. “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndichauyisa pamusoro pake mhiko yangu yaakazvidza nesungano yangu yaakaputsa.

20. Ndichamuteya nomumbure wangu, uye achabatwa nomusungo wangu. Ndichamuuyisa kuBhabhironi ndigomutongerako nokuti akanga asina kutendeka kwandiri.

21. Mauto ake anotiza achaurayiwa nomunondo, uye vakasara vavo vachaparadzirwa kunobva mhepo dzose. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha ndazvitaura.

22. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ini iyeni ndichatora bukira rinobva pamusoro chaipo pomusidhari ndigorisima; ndichavhuna davi nyoro kubva pabukira rapamusoro-soro ndigorisima pamusoro pegomo refu rakakwirira.

23. Pamusoro-soro pamakomo eIsraeri ndipo pandicharisima; richibudisa matavi ndokubereka muchero ugova musidhari unoyevedza. Shiri dzemhando dzose dzicharukira matendere adzo pauri; dzichawana ugaro pamumvuri wamatavi awo.

24. Miti yose yomusango ichaziva kuti ini Jehovha ndinodzikisa miti yakareba nokuita kuti miti mipfupi irebe. Ndinoomesa muti munyoro uye nokukurisa muti wakaoma. “ ‘Ini Jehovha ndazvitaura, uye ndichazviita.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 17