Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 13:2-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavaprofita vaIsraeri vari kukuprofiterai zvino. Uti kuna avo vanoprofita zvinobva pamurangariro wavo, ‘Inzwai shoko raJehovha!

3. Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vaprofita mapenzi vanotevera mweya yavo pachavo ivo vasina chavakaona!

4. Vaprofita venyu, imi vaIsraeri, vakafanana namakava ari pakati pamatongo.

5. Hamuna kukwira pakakoromoka porusvingo kuti mupagadzirire imba yaIsraeri, kuti igomira yakasimba pahondo pazuva raJehovha.

6. Zviratidzo zvavo ndezvenhema uye kuvuka kwavo inhema. Ivo vanoti, “Jehovha anoti,” asi Jehovha asina kuvatuma; asi vanotarisira kuti mashoko avo azadzisike.

7. Hauna kuona zviratidzo zvenhema here uye mukataura nhema pakuvuka pamainge muchiti, “Jehovha anoti,” kunyange zvangu ndisina kutaura?

8. “ ‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwamashoko enyu enhema nezviratidzo zvenhema ndinokupai mhosva, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

9. Ruoko rwangu rucharwa navaprofita vanoona zviratidzo zvenhema nokutaura kuvuka kwenhema. Havangavi pakati pamakurukota avanhu vangu kana kunyorwa muzvinyorwa zveimba yaIsraeri, uye havangapindi munyika yaIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.

10. “ ‘Nokuda kwokuti vanotsausa vanhu vangu, vachiti, “Rugare,” ipo pasina rugare, uye nokuti pavanovaka rusvingo rwakatetepa vanorupenda nependi chena.

11. Naizvozvo udza ivavo vanorupenda kuti ruchawa. Mvura ichanaya yakawanda, uye ndichatuma chimvuramabwe chicharova pasi, uye mhepo dzine simba dzichavhuvhuta.

12. Panoondomoka rusvingo vanhu havazokubvunzi here vachiti, “Iripiko pendi chena yamakarupenda nayo?”

13. “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Muhasha dzangu ndichasunungura mhepo ine simba, uye pakutsamwa kwangu chimvuramabwe nemvura zhinji zvichanaya nokuparadza kunotyisa.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 13