Testamende Yekare

Testamende Itsva

Esteri 7:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kundodya navaHosi Esteri,

2. uye pavakanga vachinwa waini pazuva rechipiri, mambo akabvunzazve akati, “VaHosi Esteri, muri kukumbireiko? Muchapiwa. Chikumbiro chenyu ndechei? Kunyange kusvika pahafu youshe, muchazviitirwa.”

3. Ipapo vaHosi Esteri vakapindura vakati, “Kana ndawana nyasha kwamuri, imi Mambo, uye kana zvichifadza mambo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu, ndicho chichemo changu, uye navanhu vangu, ndicho chikumbiro changu.

4. Nokuti ini navanhu vangu takatengeswa kuti tiurayiwe tiparadzwe zvachose. Kana dai takanga tangotengeswa senhapwa dzavarume navakadzi, ndingadai ndaingonyarara, nokuti hakuna kutambudzika kwakadai kungasvika pakurwadza mambo.”

5. Mambo Zekisesi akabvunza vahosi Esteri akati, “Ndiani iyeye? Aripi munhu iyeye afunga kuita chinhu chakadai?”

Verenga chitsauko zvakakwana Esteri 7