Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 6:26-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Ndivo vaya vanaAroni naMozisi vakanzi naJehovha, “Budisai vaIsraeri muIjipiti namapoka avo.”

27. Ndivo vakataura kuna Faro mambo weIjipiti pamusoro pokubudisa vaIsraeri kubva muIjipiti. Ndivo vamwe chetevo Mozisi naAroni.

28. Zvino Jehovha paakataura naMozisi muIjipiti,

29. akati kwaari, “Ndini Jehovha. Taurira Faro mambo weIjipiti zvose zvandinokuudza.”

30. Asi Mozisi akati kuna Jehovha, “Sezvo ndichitaura nemiromo inokakama, Faro angateerera kwandiri seiko?”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 6