Bhande rayo romuchiuno rakarukwa nounyanzvi rakanga rakafanana nayo, zvaive chinhu chimwe neefodhi uye zvakagadzirwa negoridhe, newuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa wakaisvonaka, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.