Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 39:30-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Vakagadzira ndiro, korona tsvene, yegoridhe rakaisvonaka uye yakanyorwa pairi, sorunyoro rwapachisimbiso, kuti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA.

31. Ipapo vakasungirira tambo yebhuruu pairi kuti ibatanidzwe nenguwani, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

32. Saka basa rose patabhenakeri, Tende Rokusangana, rakapera. VaIsraeri vakaita zvinhu zvose sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi.

33. Ipapo vakauya netabhenakeri kuna Mozisi: tende nenhumbi dzaro dzose, zvikorekedzo zvayo, mapuranga, mbariro, matanda nezvigadziko;

34. chifukidzo chamatehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku, chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa nezvidzitiro zvokudzivirira;

35. areka yeChipupuriro namapango ayo nechifunhiro chokuyananisa;

36. tafura nenhumbi dzayo dzose nechingwa choKuvapo;

37. zvigadziko zvomwenje zvegoridhe rakaisvonaka nemitsara yacho yemwenje, nhumbi dzayo dzose, namafuta omwenje;

38. aritari yegoridhe, mafuta okuzodza, zvinonhuwira kwazvo nechidzitiro chapamukova wetende;

39. aritari yendarira, chiparo chayo chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; dhishi nechigadziko charo;

40. zvidzitiro zvoruvazhe namatanda nezvigadziko zvarwo, uye chidzitiro chapamukova woruvazhe; tambo nembambo dzetende dzaparuvazhe; midziyo yose yetabhenakeri, Tende Rokusangana;

41. uye jasi rakarukwa rinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene dzaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 39