Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 34:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kuna Mozisi, “Veza matombo maviri amahwendefa akaita sokutanga, uye ndichanyora paari mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga, awakaputsa.

2. Ugadzirire mangwanani, uye ipapo ugouya pamusoro peGomo reSinai. Uzviise kwandiri iwe ipapo pamusoro pegomo.

3. Hapana munhu anofanira kuuya newe kana kuonekwa papi zvapo pamusoro peGomo; kunyange makwai kana mombe zvinopfuura pamberi pegomo.”

4. Saka Mozisi akaveza mahwendefa maviri amabwe akaita sookutanga uye akakwira pamusoro pegomo reSinai mangwananingwanani, sezvaakanga arayirwa naJehovha; uye akatakura mahwendefa maviri amabwe mumaoko ake.

5. Ipapo Jehovha akaburuka kwaari ari mugore uye akamira naye ipapo uye akazivisa zita rake, Jehovha.

6. Uye akapfuura napamberi paMozisi, achizivisa achiti, “Jehovha, Jehovha, Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo uye akatendeka,

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 34