Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 32:18-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Mozisi akapindura akati,“Harusi ruzha rwokukunda, harusi ruzha rwokukundwa; ruzha rwokuimba rwandinonzwa.”

19. Mozisi akati aswedera pamusasa uye akaona mhuru uye nokutamba, kutsamwa kwake kwakavira uye akakanda mahwendefa achibva mumaoko ake, akaaputsa kuita zvidimbu zvidimbu pajinga regomo.

20. Uye akatora mhuru yavakanga vagadzira ndokuipisa nomoto; ipapo akaikuya kuita upfu, akahuparadzira pamusoro pemvura uye akaita kuti vaIsraeri vainwe.

21. Akati kuna Aroni, “Ko vanhu ava vakaiteiko kwauri, zvawavatungamirira muchivi chikuru zvakadai?”

22. Aroni akapindura akati, “Regai kutsamwa, ishe wangu. Munoziva kuti vanhu ava vanorerekera sei pakutadza.

23. Vakati kwandiri, ‘Tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa kubva muIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.’

24. Saka ndakati kwavari, ‘Ani naani ane zvishongo zvegoridhe, ngaabvise.’ Ipapo vakandipa goridhe, uye ndikarikanda mumoto, uye ndipo pakabuda mhuru iyi!”

25. Mozisi akaona kuti vanhu vakanga vatopenga zvavo uye kuti Aroni akanga avarega vasisazvidzori uye kuti vakanga vava chiseko kuvavengi vavo.

26. Saka akamira pamukova wokupinda nawo mumusasa akati, “Ani naani ari kurutivi rwaJehovha, ngaauye kwandiri.” Uye vaRevhi vose vakaenda kwaari.

27. Ipapo akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Murume mumwe nomumwe ngaapakate munondo parutivi rwake. Mufambefambe mumusasa kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe, mumwe nomumwe achiuraya hama yake neshamwari yake nomuvakidzani wake.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 32