Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 31:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. tafura nenhumbi dzayo, chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, aritari yezvinonhuwira,

9. aritari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, mudziyo wokushambira nechigadziko chawo,

10. uyewo nguo yakarukwa, dzose nguo tsvene dzaAroni muprista uye nguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista,

11. namafuta okuzodza uye nezvinonhuwira kwazvo zveNzvimbo Tsvene. Vanofanira kudzigadzira sezvandakakurayira iwe.”

12. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

13. “Uti kuvaIsraeri, ‘Munofanira kucherechedza Sabata rangu. Ichi ndicho chichava chiratidzo pakati pangu nemi kumarudzi anotevera, kuti mugoziva kuti ndini Jehovha, anokuitai vatsvene.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 31