Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 31:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

2. “Tarira ndasarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,

3. uye ndamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokugona nokuziva mhando dzose dzoumhizha,

4. kuita unyanzvi hwebasa regoridhe, sirivha nendarira,

5. kuveza nokuronga mabwe, kushanda pabasa rokuveza matanda, nokubata mumhando dzose dzoumhizha.

6. Pamusoro paizvozvo ndakagadza Ohoriabhi mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaOhani, kuti amubatsire. Uyezve ndapa unyanzvi kumhizha kuti vaite zvinhu zvose zvandakakurayira zvinoti:

7. Tende Rokusangana, areka yeChipupuriro ine chifukidzo pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetende,

8. tafura nenhumbi dzayo, chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, aritari yezvinonhuwira,

9. aritari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, mudziyo wokushambira nechigadziko chawo,

10. uyewo nguo yakarukwa, dzose nguo tsvene dzaAroni muprista uye nguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista,

11. namafuta okuzodza uye nezvinonhuwira kwazvo zveNzvimbo Tsvene. Vanofanira kudzigadzira sezvandakakurayira iwe.”

12. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 31