Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 30:30-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. “Uzodze Aroni navanakomana vake uye uvatsaure kuitira kuti vagondishandira savaprista.

31. Uti kuvaIsraeri, ‘Aya achava mafuta angu matsvene okuzodza amarudzi anotevera.

32. Musaadira pamiviri yavanhu uye musaita mafuta api zvawo nenzira imwe cheteyo. Matsvene, uye munofanira kuaita matsvene.

33. Ani naani anoita mafuta anonhuwira akafanana nawo uye ani naani anoaisa pamunhu upi zvake kunze kwomuprista anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ”

34. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora zvinonhuwira zvinoti sitaketi, onika negaribhanamu, uye zvinonhuwira zvakaisvonaka, zvose zvakaenzana,

35. ugoita zvakafanira kurungwa zvigova zvakaisvonaka uye zvive zvitsvene.

36. Ukuye zvimwe zvacho zvive upfu ugozviisa pamberi peChipupuriro chiri muTende Rokusangana, umo mandichasangana newe. Zvichava zvitsvene-tsvene kwauri.

37. Usazviitira zvinonhuwira zvipi zvazvo nenzira imwe cheteyo; uzvicherechedze kuti zvitsvene kuna Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 30