Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 30:16-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Ugamuchire mari yeyananiso kubva kuvaIsraeri ugoishandisa paushumiri hweTende Rokusangana. Chichava chirangaridzo kuvaIsraeri pamberi paJehovha, muchiyananisira upenyu hwenyu.”

17. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

18. “Uite mudziyo wokushambira wendarira, nechigadziko chawo chendariria. Ugouisa pakati peTende Rokusangana nearitari uye ugoisa mvura mauri.

19. Aroni navanakomana vake vanofanira kushamba maoko avo netsoka dzavo nemvura kuitira kuti varege kufa.

20. Uyezve, pavanoswedera paaritari kuti vazoshumira nokupa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto,

21. vachashamba maoko avo netsoka dzavo kuitira kuti varege kufa. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi waAroni nezvizvarwa zvake kusvikira kumarudzi anotevera.”

22. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

23. “Tora zvinonhuwira zvinotevera izvi: mazana mashanu amashekerid emura inoerera, hafu yakadaro (ndiwo mazana maviri namakumi mashanu amashekeri) ezvinonhuwira zvesinamoni, mazana maviri namakumi mashanu enzimbe,

24. mashekeri omuakasia mazana mashanu, zvose zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, nehinie yamafuta omuorivhi.

25. Vhenganisa izvi kuti zvive mafuta matsvene okuzodza, anonhuwira akavhenganiswa, basa romuvhenganisi wezvinonhuwira. Achava mafuta matsvene okuzodza.

26. Ipapo ugoashandisa kuzodza Tende Rokusangana, neareka yeChipupuriro,

27. tafura nemidziyo yayo yose, chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose, aritari yezvinonhuwira,

28. aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo, uye mudziyo wokushambira nechigadziko chawo.

29. Unofanira kuzvitsaura kuti zvigova zvitsvene-tsvene, uye zvose zvichazvigunzva zvichava zvitsvene.

30. “Uzodze Aroni navanakomana vake uye uvatsaure kuitira kuti vagondishandira savaprista.

31. Uti kuvaIsraeri, ‘Aya achava mafuta angu matsvene okuzodza amarudzi anotevera.

32. Musaadira pamiviri yavanhu uye musaita mafuta api zvawo nenzira imwe cheteyo. Matsvene, uye munofanira kuaita matsvene.

33. Ani naani anoita mafuta anonhuwira akafanana nawo uye ani naani anoaisa pamunhu upi zvake kunze kwomuprista anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 30