Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 27:16-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. “Pamukova wokupinda muruvazhe, uise chidzitiro chakareba makubhiti makumi mavirif, chewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa romusoni anogona, namatanda mana uyewo zvigadziko zvina.

17. Matanda ose akapoteredza ruvazhe anofanira kuva nezvisungiso zvesirivha nezvikorekedzo, uye zvigadziko zvendarira.

18. Ruvazhe ruchareba makubhiti zanag uye makubhiti makumi mashanuh paupamhi, namachira emicheka yakarukwa yakaisvonaka yakareba makubhiti mashanui, uye nezvigadziko zvendarira.

19. Mimwe midziyo inoshandiswa paushumiri hwetabhenakeri, ringava basa ripi zvaro, kusanganisira mbambo dzose dzetende neiya yomuruvazhe, inofanira kuva yendarira.

20. “Urayire vaIsraeri kuti vakuvigire mafuta omuorivhi akachena, akasvinwa omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichipfuta.

21. MuTende Rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi peChipupuriro, Aroni navanakomana vake vanofanira kurega mwenje ichiramba ichipfuta pamberi paJehovha, kubva madekwana kusvikira mangwanani. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi pakati pavaIsraeri nokumarudzi anotevera.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 27