Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 27:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Uvake aritari yamatanda omuakasia, makubhiti matatua pakukwirira kwayo; inofanira kuva namativi mana akaenzana, kureba kwayo makubhiti mashanub uye upamhi hwayo makubhiti mashanu.

2. Uite runyanga pamakona ayo mana, kuti nyanga nearitari zvive chinhu chimwe, uye ufukidze aritari nendarira.

3. Uite midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo kuti dzibvise madota, uye foshoro dzayo, mbiya dzokusasa nadzo, zvibayiso zvenyama uye makango apamoto.

4. Uyiitire chiparo, mumbure, ndarira, uye ugoita mhete yendarira pakona imwe neimwe yomumbure.

5. Uchiise pasi pechitsiko chearitari kuitira kuti chive pakati nepakati pearitari.

6. Uitire aritari matanda omuakasia uye ugoafukidza nendarira.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 27