Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 24:13-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ipapo Mozisi akasimuka naJoshua mubatsiri wake, uye Mozisi akakwira mugomo raMwari.

14. Akati kuvakuru, “Timirirei pano kusvikira tadzoka kwamuri. Aroni naHuri vanemi, uye ani naani zvake anopesana nomumwe anogona kuenda kwavari.”

15. Mozisi akati akwira mugomo, gore rakarifukidza,

16. uye kubwinya kwaJehovha kwakagara pamusoro peGomo reSinai. Gore rakafukidza gomo iro kwamazuva matanhatu, uye pazuva rechinomwe, Jehovha akadana Mozisi ari mukati megore.

17. KuvaIsraeri, kubwinya kwaJehovha kwaitaridzika somoto unoparadza uri pamusoro pegomo.

18. Ipapo akapinda mugore paakanga achikwira mugomo. Uye akagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 24