Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 15:20-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Ipapo Miriamu muprofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora tambureni muruoko rwake, uye vakadzi vose vakamutevera, vana matambureni uye vachitamba.

21. Miriamu akavaimbira akati:“Imbirai Jehovha, nokuti anokudzwa zvikuru kuru. Bhiza nomutasvi waro akazvikanda mugungwa.”

22. Ipapo Mozisi akatungamirira vaIsraeri kubva paGungwa Dzvuku uye vakapinda murenje reShuri. Vakafamba kwamazuva matatu murenje vachishayiwa mvura.

23. Vakati vasvika paMara, havana kugona kunwa mvura yacho nokuti yaivava. (Ndokusaka nzvimbo yacho ichinzi Mara.)

24. Saka vanhu vakapopotera Mozisi vachiti, “Tonweiko?”

25. Ipapo Mozisi akachema kuna Jehovha, uye Jehovha akamuratidza danda. Akarikanda mumvura, uye mvura ikanaka.Jehovha akavaitirapo mutemo nomurayiro, uye akavaedza ipapo.

26. Akati, “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu uye mukaita zvakarurama pamberi pake, kana mukarerekera nzeve dzenyu kumirayiro yake uye mukachengeta mitemo yose, haangauyisi pamusoro penyu zvirwere zvose zvandakauyisa pamusoro pavaIjipita, nokuti ndini Jehovha anokuporesai.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 15