Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 15:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Mozisi navaIsraeri vakaimba rwiyo urwu kuna Jehovha:“Ndichaimbira Jehovha, nokuti iye anokudzwa zvikurukuru. Bhiza nomutasvi waro akazvikanda mugungwa.

2. Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye ava ruponeso rwangu. Ndiye Mwari wangu, uye ndichamurumbidza, Mwari wababa vangu, uye ndichamukudza.

3. Jehovha imhare; Jehovha ndiro zita rake.

4. Ngoro dzaFaro nehondo yake akazvikanda mugungwa. Machinda aFaro akanakisisa akanyudzwa muGungwa Dzvuku.

5. Mvura yakadzika yakavafukidza; vakanyura kwakadzika sedombo.

6. “Ruoko rwenyu rworudyi, imi Jehovha, rwakakudzwa nesimba. Ruoko rwenyu rworudyi, imi Jehovha, rwakaparadza muvengi.”

7. Muukuru hwoumambo hwenyu makakanda pasi vaya vaikupikisai. Makasunungura kutsamwa kwenyu kunopisa, kukavapisa sehundi.

8. Nokufema kwemhino dzenyu mvura zhinji yakaita murwi. Mvura yamasaisai yakamira yakasimba semadziro; mvura yakadzika yakagwamba mukati megungwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 15